dcsimg

Madora ( Shona )

provided by wikipedia emerging_languages
Harvested Mopanes.jpg

Takatarisana neKubika kweZimbabwe (Zimbabwean Cuisine), madora (mopani worms) imhando yechikonye chinowanikwa kunyanya pamuti unonzi mupani anodyiwa muZimbabwe. Madora anokohwewa zvakanyanya kumatunhu eMatebeleland, asi anowanikwa kune mamwewo matunhu.

Madora achinge akohwehwa kubva pamiti, anosvinwa kuburitsa zviri muhura hwawo. Zvinogona kuti madora anobikwa ari manyoro kudaro kana kuti anoomeswa pazuva.

Kubikwa kwemadora anokangwa mumafuta kudzamara onhuwira kuibva kwawo. Zvichinge zvaitika kuti madora abikwa mushure mokunge amboomeswa, zvinenge zvakanaka kuti amboiswa mumvura kuitira kuti apfave ozokangwa mumafuta sezviri pamusoro.

Kurerutsa Mutauro

Dora rakabvukucha ndokuva dekwende: the caterpillar went through a metamorphosis and became a pupa.

Tsumo

  • Padoko-padoko kudya kwamadora. Little-by-little is the way caterpillars eat (everything).*
license
cc-by-sa-3.0
copyright
Wikipedia vanyori nevagadziri

Madora: Brief Summary ( Shona )